Jah Prayzah Wandakada Lyrics

 Jah Prayzah Wandakada Lyrics


[Verse 1]

Kubvira zuva rekutanga

Chaingova chiro chimweni mweni chandaikumbira

Kuti dai zvaibvira

Wangondidawo ndaita mawarawo

Pane mumwe chete pane zinyekenyeke

Pane vaviri paita chisungo

Kana ukandiramba zvaramba

Asi ziva kuti ndaidawo

Svusvura ndadya kana zvikanaka

Uri mhodzi yechingwa kana zvikanaka

Tichasesedzana kana zvikanaka

Uchave wangu kana zvikanaka


[Chorus]

Magumo acho ndichange ndinewe

Ukabata hana yangu

Toenda kuhama

Ndoti ndiye wandakada


[Verse 2]

Wanyanya kundinyepudza sepwere

Kuita seunoda usingade

Buda pachena

Hari yamai, hari yamai

Hari yamai vangu inoda anosuka


[Chorus]

Dhiya magumo acho ndichange ndinewe

Ukabata hana yangu

Toenda kuhama

Ndoti ndiye wandakada


[Verse 3]

Zadzisa pandinorota

Nekuti ndiwe mhinduro yezvandinoshuvira

Umm, zadzisa zvese

Nekuti ndiwe zororo remoyo wanguka

Dhiya magumo acho ndichangе ndinewe

Ukabata hana yangu

Toenda kuhama

Ndoti ndiyе wandakada


Jah Prayzah Wandakada Lyrics

Post a Comment (0)